Mateo 14:23-27
Mateo 14:23-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!” Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
Mateo 14:23-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga. Asi igwa zvino rakanga rava pakati pegungwa, richitambudzika namafungu, nokuti mhepo yakanga ichivadzivisa. Nenguva yechina yousiku akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka, vachiti, “Madzimudzangara,” vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akataura navo, akati, “Tsungai mwoyo ndini, musatya.”
Mateo 14:23-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga. Asi igwa, panguva iyoyo, rakanga rava makiromita akawanda kubva kumahombekombe richiitwa suku nasai namafungu nokuti mhepo yakanga yakanangana navo. Kuzoti yava nguva yomurirakamwe akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa. Asi vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya zvikuru vachiti, “Idzimudzangara.” Vakaridza mhere nokutya. Pakarepo Jesu akabva ataura kwavari achiti, “Tsungai mwoyo, ndini. Musatye.”
Mateo 14:23-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga. Asi igwa ɀino rakaŋga raʋa pakati peguŋgwa, ricitambudzika namafuŋgu, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa. Neŋguʋa yecinna yoʋusiku akaʋuya kwaʋari, acifamba pamsoro peguŋgwa. Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya. Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya.
Mateo 14:23-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)