Mateo 14:18-21
Mateo 14:18-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
Mateo 14:18-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi.
Mateo 14:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana.
Mateo 14:18-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere. Ʋakaŋga ʋadya ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi.
Mateo 14:18-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)