Mateo 14:13-23
Mateo 14:13-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.” Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana. Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga
Mateo 14:13-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vanhu vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo. Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.” Asi Jesu akati kwavari, “Havafaniri havo kuenda; imi muvape zvavangadya.” Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi. Pakarepo wakagombedzera vadzidzi vake kuti vapinde muigwa, vamutungamirire mhiri, iye ndokusara kuendesa vanhu vazhinji. Zvino akati aendesa vanhu vazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera; ava madekwana akanga aripo ari oga.
Mateo 14:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana. Pakarepo akagombedzera vadzidzi kuti vakwire mugwa kuti vafanotungamira kumhiri; iye oonekana negungano riya ravanhu. Paakapedza kuonekana negungano riya ravanhu akakwira mugomo ari oga kundonamata. Paakanga ava madeko, akanga arimo ari oga.
Mateo 14:13-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jesu wakati aɀinzwa, akabva’po negwa, akaenda kurenje ari oga. Ɀino ʋanhu ʋaciɀinzwa, ʋakabva kumaguta, ʋakamuteʋera netsoka. Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, akaporesa ʋarwere ʋaʋo. Ɀino aʋa maɗekwana, ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano irenje, zuʋa roɗa kuʋira, endisai ʋanhu ʋazhinji, ʋaende kumisha, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. Asi Jesu wakati kwaʋari: Haʋafaniri haʋo kuenda; imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Hatinecinhu pano, asi ɀiŋgwa ɀishanu ɓedzi nehoʋe mbiri. Iye akati: Ʋuyai naɀo ʋuno kwandiri Akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi paʋuswa, akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, ndokutarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu anegumi namaʋiri azere. Ʋakaŋga ʋadya ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. Pakarepo wakagombedzera ʋadzidzi ʋake kuti ʋapinde mugwa, ʋamutuŋgamirire mhiri, iye ndokusara kuendisa ʋanhu ʋazhinji. Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga.
Mateo 14:13-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)