Mateo 14:1-12
Mateo 14:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.” Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake, sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.” Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita. Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo, zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira. Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.” Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari, ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.
Mateo 14:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo ishe Herodhi, akanzwa mukurumbira waJesu, akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; akamuka kuvakafa, saka masimba awa anobata maari.” Nokuti Herodhi akanga abata Johani, akamusunga, akamuisa mutorongo, nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munun'una wake. Nokuti Johani akati kwaari, “Hauna kutenderwa kuti uve naye.” Zvino akanga achida kumuuraya, asi akatya vanhu vazhinji, nokuti vaimuti muporofita. Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pavo, akafadza Herodhi. Naizvozvo wakamupikira nemhiko kuti, “Ndichamupa chipi nechipi chaanenge achakumbira.” Zvino iye, akati arayirwa namai vake, akati, “Ndipei pano mundiro musoro waJohani Mubhabhatidzi.” Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe. Akatuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Vakauya nomusoro wake uri mundiro, musikana akaupiwa; iye akaenda nawo kunamai vake. Vadzidzi vake vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga; ndokuenda kundoudza Jesu.
Mateo 14:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo Herodhi, mumwe wavatongi vana akanzwa zvomukurumbira waJesu akati kumakurukota ake, “Uyu ndiJohani Muombeki akamutswa muvafi, ndokusaka achigona kuita zvishamiso izvi” nokuti Herodhi akanga abata Johani akamusunga ndokumuisa mujeri pamusana paHerodhiasi mudzimai womunun'una wake Firipi. Chikonzero ndechokuti Johani akanga amuti, “Hazvibvumirwi, pamutemo, kuti agare naye.” Kunyange zvazvo aida kumuuraya aitya vanhu nokuti vaimutora somuporofita. Asi pakasvika zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi, mukunda waHerodhiasi akatamba pamberi pechikwata chose chavanhu akafadza Herodhi zvokuti akatsidza nemhiko kumupa chose zvacho chaangakumbire. Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu.
Mateo 14:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo Herode, muɓati, wakanzwa mukurumbira waJesu, akati kuʋaranda ʋake: Uyu ndiJohane mubapatidzi; wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Nokuti Herode wakaŋga aɓata Johane, akamusuŋga, akamuisa mutoroŋgo, nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake. Nokuti Johane wakati kwaari: Haunakutenderwa kuti uʋe naye. Ɀino wakaŋga aciɗa kumuʋuraya, asi wakatya ʋanhu ʋazhinji, nokuti ʋaiti muprofita. Asi zuʋa rokuɓerekwa kwaHerode rakati raȿika, mukunda waHerodiasi akatamba pakati paʋo, akafadza Herode. Naiɀoɀo wakamupikira nemhiko kuti ucamupa cinhu cipi necipi caaneŋge acakumbira. Ɀino iye, wakati arairwa namai ʋake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohane Mubapatidzi. Mambo akaɀidya mŋoyo, asi nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere pakudya, akaraira kuti apiwe. Akatuma murwi kundogura musoro waJohane mutoroŋgo. Ʋakaʋuya nomusoro wake uri mundiro, musikana akapiwa; iye akaenda nawo kunamai ʋake. Ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu, ʋakauʋiga; ndokuenda kundoʋudza Jesu.
Mateo 14:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)