Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 13:40-43 - Compare All Versions

Mateo 13:40-43 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 BDSC

Mateo 13:40-43 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SNA2002

Mateo 13:40-43 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SCLBD

Mateo 13:40-43 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SUB1949

Mateo 13:40-43 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mateo 13 SCLB