Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 13:36 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 13:36 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 BDSC

Mateo 13:36 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SNA2002

Mateo 13:36 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SUB1949

Mateo 13:36 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SCLB

Mateo 13:36 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.”

Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SCLBD