Mateo 13:35 - Compare All Versions
Mateo 13:35 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”
Pakurirana nevamwe
Mateo 13 BDSCMateo 13:35 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.”
Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SNA2002Mateo 13:35 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.”
Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SCLBDMateo 13:35 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika.
Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SUB1949Mateo 13:35 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.”
Pakurirana nevamwe
Mateo 13 SCLB