Mateo 13:22-23 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 13:22-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
Mateo 13:22-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko. Akakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye anobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.”
Mateo 13:22-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unoɓereka ɀiɓereko, mumŋe aciita zana, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe makumi matatu.
Mateo 13:22-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero. Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.”
Mateo 13:22-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)