Mateo 13:16-19
Mateo 13:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
Mateo 13:16-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa. “Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira.
Mateo 13:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Akakomborerwa zvawo maziso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Chinzwisisai muenzaniso uya womukushi. Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira.
Mateo 13:16-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoʋona; nenzeʋe dzenyu, nokuti dzinonzwa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa. Naiɀoɀo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira.
Mateo 13:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)