Mateo 13:1-52
Mateo 13:1-52 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?” Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa. Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi. Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndikavaporesa.’ Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi: Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira. Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko. Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.” Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo. “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’ “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’ “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo. Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.” Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.” Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo. Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.” Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.” Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa, muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga. “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa. Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama, uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.” Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.” Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”
Mateo 13:1-52 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha. Zvino pakukusha kwake dzimwe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikasvika dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarabwe, padzakanga dzisina ivhu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. “Asi zuva rakati rabuda, dzikapiswa; dzikaoma, nokuti dzakanga dzisina mudzi. Dzimwe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivhunga. “Asi dzimwe dzakawira muvhu rakanaka, dzikabereka vana; dzimwe zana, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe makumi matatu.” “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo. Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa. Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa, musingatongonzwisisi; Kuona, muchaona, musingatongoonesesi; Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’ “Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuti vaporofita navakarurama vazhinji vakanga vachida kuona zvinhu zvamunoona, asi havana kuzviona; nokunzwa zvamunonzwa, asi havana kuzvinzwa. “Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, muipi anosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make. Ndiye akakushwa munzira. “Asi akakushwa parukangarabwe, ndiye anonzwa shoko, ndokurigamuchira pakarepo nomufaro. Asi haana mudzi mukati make, ndiye wechinguva chiduku; kana kutambudzika nokuvengwa zvichiuya nokuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. Akakushwa pakati peminzwa, ndiye anonzwa shoko; zvino kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinounga shoko, rikashaiwa zvibereko. Akakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye anobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.” Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hunofanidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vavete, muvengi wake akauya, akakusha masawi pakati pezviyo, akaenda. Asi chipande chakati chamera nokubereka, zvino masawi akaonekwawo. Zvino varanda vomuridzi weimba vakauya, vakati kwaari, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko masawi?’ Akati kwavari, ‘Munhu anondivenga aita izvozvo.’ Varanda vakati kwaari, ‘Ko munoda kuti tindoaunganidza here?’ Akati, ‘Kwete, zvimwe kana muchiunganidza masawi, mungadzura nezviyowo.’ “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pakucheka; nenguva yokucheka ndichati kuvacheki, ‘Tangai kuunganidza masawi, muasunge zvimwanda kuti apiswe, asi mututire zviyo mudura rangu.’ ” Akaisa pamberi pavo mumwe mufananidzo, achiti, “Ushe hwedenga hwakafanana netsanga yembeu yemasitadhi, yakatorwa nomunhu, akaidyara mumunda make; iyo iduku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriwo yose, inoita muti wakakura ukadaro kuti shiri dzedenga dzinouya, dzichigara mumatavi awo.” Akavaudza mumwe mufananidzo, akati, “Ushe hwedenga hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muzviero zvitatu zvoupfu, kusvikira hwose hwaviriswa.” Zvinhu zvose Jesu wakaudza vanhu vazhinji nemifananidzo; haana kutaura chinhu kwavari asingafananidzi; kuti zviitike zvakarehwa nomuporofita, achiti, “Ndichataura nemifananidzo, Ndichataura zvakavanzika kubva pakuvambwa kwenyika.” Zvino Jesu akati aendesa vanhu vazhinji, akapinda mumba, vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati, “Tidudzirei mufananidzo wamasawi omumunda.” Akapindura, akati, “Anokusha mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndivo vanakomana voushe, masawi ndiwo vanakomana vomuipi. Muvengi akakusha ndiye Dhiabhori; kucheka ndiko kuguma kwenyika; vacheki ndivo vatumwa vaMwari. “Zvino masawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno. Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe. “Ushe hwedenga hwakafanana nepfuma yakavanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaivanzazve; zvino nokufara kwake anoenda, akatengesa zvose zvaanazvo, akatenga munda uyo. “Ushe hwedenga hwakafananazve nomushambadzi anotsvaka mapera akanaka; akati awana pera rimwe rinomutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro. “Ushe hwedenga hwakafananazve nousvasvi hunokandirwa mugungwa, hunounganidza marudzi ose ehove; kana hwazara vanohukwevera pamhenderekedzo, vakagara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vanodzirasa. Ndizvo zvichaitwa pakuguma kwenyika; vatumwa vachabuda, vachabudisa vakaipa pakati pavakarurama, vachavakandira muvira romoto; ipapo pachava nokuchema nokugeda-geda kwameno.” (Jesu akati kwavari), “Manzwisisa izvozvo zvose here?” Vakati kwaari, “Hongu, Ishe.” Akati kwavari, “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwekudenga, akafanana, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvekare papfuma yake.”
Mateo 13:1-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu. Paakanga achikusha kudaro, dzimwe mbeu dzakandowira munzira. Shiri dzakauya dzikadzidya. Dzimwe dzakawira parukangarahwe padzisina kuwana ivhu rakadzika. Dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakawanda. Kuzoti zuva rakwira dzakatsva. Sezvo dzakanga dzisina midzi; dzakashwauruka. Dzimwe dzakandowira muminzwa. Minzwa yakakura ikadzivhunga. Dzimwe dzakawira muvhu rakanaka dzikabereka mbesa. Dzimwe dzakaita zana, dzimwe makumi matanhatu. Dzimwe makumi matatu. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso: “Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni uye kunzwa vanonzwa zvavo; asi havateereri kana kunzwisisa. Kwavari zvinobva zvazadziswa zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti, ‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera handiti mungadaro mukazonzwisisa, kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa mungadaroka mukazonyatsoona. Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’ “Akakomborerwa zvawo maziso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa. Zvechokwadi chokwadi ndinoti kwamuri vaporofita vazhinji navanhu vakarurama vaisuwira kuona zvamuri kuona asi havana kuzviona uye kunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa. “Chinzwisisai muenzaniso uya womukushi. Kana munhu akanzwa mashoko oumambo uhu asinganzwisisi, muipi anouya obvuta zvinenge zvadyarwa mumwoyo make. Ndivo vakadyarwa munzira. Yakadyarwa parukangarahwe, ndiye uya anonzwa shoko obva arigamuchira norufaro asi haana mudzi maari anotirira kwechinguva. Kana nhamo namatambudziko zvamuka pamusana peshoko, anobva atsauka. Yakadyarwa muminzwa ndouyo anonzwa izwi asi kuzvidya mwoyo nezvapanyika nokutorwa mwoyo noupfumi, zvinovhunga izwi, rokundikana kubereka muchero. Asi yakadyarwa muvhu rakanaka, ndouyo anonzwa shoko achirinzwisisa uye anobereka muchero achikohwa mumwe zana, mumwewo makumi matanhatu mumwe makumi matatu.” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hungafananidzwe nomunhu akadyara mbeu yakanaka mumunda make. Asi vanhu vakarara, muvengi wake akauya akadyara sawi mukati mekoroni akabva aenda. Padzakabuda dzikatumbuka sawi rakaonekwawo.” Vashandi vepamba ipapo vakauya vakati kwaari, “Changamire, hamuna kudyara mbeu yakanaka here mumunda menyu? Ko sawi rakazobva kupi?” Iye akati kwavari, “Muvengi ndiye akaita izvi.” Vashandi vakati kwaari, “Mungade here kuti tindoridzura?” Asi iye akati, “Kwete, mungadaro mukadzipurirana nekoroni pamunenge muchidzura sawi. Regai zvikurirane pamwechete kusvikira panguva yokukohwa. Panguva yokukohwa ndichataurira vakohwi kuti, ‘Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisumbu kuti zvipiswe muunganidze koroni muitutire mudura rangu.’ ” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita setsanga yemasitadhi yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make. Ndiyo tsanga dukuduku pane dzimwe tsanga dzose. Asi kana ichinge yakura inoita gwenzi guru kupinda mamwe ose, ichizova muti, zvokuti shiri dzedenga dzinouya dzichizoita matendere adzo mumapazi awo.” Jesu akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Umambo hwedenga hwakaita sembiriso yakatorwa nomumwe mudzimai akaisanganisa nezviereso zvitatu zvoupfu hwekoroni kusvikira mukanyiwa wose wafuta.” Jesu akataura zvose izvi kugungano ravanhu nemienzaniso. Hapana zvaaimbovataurira asingashandisi mienzaniso. Izvi zvaizadzisa zvakambotaurwa nomuporofita zvokuti, “Ndichazarura muromo wangu ndichitaura nemienzaniso. Ndichadudzira zvakavandika zvapasichigare.” Akabva pagungano ravanhu akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti, “Titsanangurirei muenzaniso wesawi romumunda.” Jesu akapindura achiti, “Anodyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana womunhu. Munda wacho ndiyo nyika. Mbeu yakanaka ndivo vana voumambo. Sawi ndivo vana vomuipi. Muvengi akaridyara ndiDhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwapasi. Vakohwi ndivo vatumwa. Sokuunganidzwa kunoitwa sawi richipiswa nomoto ndizvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Mwanakomana womunhu achatuma vatumwa vake. Vachaunganidza vagobvisa muumambo hwake vose vanokonzera vanhu kutadza navose vanoita zvakaipa vachivakanda muvira romoto. Ikoko vanhu vachachema vachirumanidza mazino. Vakarurama vachapenya sezuva muumambo hwababa vavo. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe. “Umambo hwodenga hwakaita soupfumi hwakavigwa mumunda hunoti kana munhu ahuwana anohuvigazve. Pamusana pokufara, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo otenga munda iwoyo. “Uyewo umambo hwedenga hwakaita somunhu anoshava matombo amapera anokosha anoti kana awana pera rimwechete rinokosha kwazvo, anoenda ondotengesa zvose zvaanazvo oritenga. “Umambo hwedenga hwakafananazve nousvasvi hwakakandwa mugungwa hukakukudza hove dzorudzi norudzi. Pahwakanga hwazara, vakahukwevera pamahombekombe. Vakagara pasi vachisarudza dzakanaka vachiisa mumidziyo vachirasa dzakaipa. Ndizvozvo zvichaitwawo pakuguma kwapasi. Vatumwa vachabuda vachindokamura vakaipa kubva muna vakarurama vachivakanda mubisiro romoto. Imomo vanhu vachachema vachirumanidza mazino. “Manyatsonzwisisa here zvose izvi?” Ivo vakati kwaari, “Hongu.” Iye akati kwavari, “Sokudaro nyanzvi yose yomutemo yakanyatsodzidziswa zvomutemo woumambo hwedenga, yakafanana nasaimba anoburitsa mudura rake zvitsva nezvitsaru.”
Mateo 13:1-52 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo. Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha. Ɀino pakukusha kwake dzimŋe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikaȿika dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika. Asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga. Asi dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko; dzimŋe zana, dzimŋe makumi matanhatu, dzimŋe makumi matatu. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo? Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa. Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Naiɀoɀo ndinotaura kwaʋari nemifananidzo, nokuti ʋanoʋona, asi haʋaʋoni; ʋanonzwa, asi haʋanzwi, kana kunzwisisa. Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwaʋari, kunoti: Nokunzwa, mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi; Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgatoŋgoʋonesesi; Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira; Nameso aʋo ʋakaatsinzina. Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso, Nokunzwa nenzeʋe, Nokunzwisisa nomŋoyo, Ʋakadzoka, Ndiʋaporese. Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoʋona; nenzeʋe dzenyu, nokuti dzinonzwa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa. Naiɀoɀo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira. Asi wakakushwa parukaŋgarabge, ndiye unonzwa shoko, ndokurigamucira pakarepo nomufaro. Asi haanomudzi mukati make, ndiye weciŋguʋa ciɗuku; kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo unogumburwa. Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unoɓereka ɀiɓereko, mumŋe aciita zana, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe makumi matatu. Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda. Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo. Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here? Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo. Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu. Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make; iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo. Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa. Ɀinhu ɀose Jesu wakaʋudza ʋanhu ʋazhinji nemifananidzo; haana‐kutaura cinhu kwaʋari asiŋgafananidzi; kuti ɀiitike ɀakarebga nomuprofita, aciti: Ndicashamisa muromo waŋgu nemifananidzo, Ndicataura ɀakaŋga ɀakaʋanzika kubva pakuʋambga kwenyika. Ɀino Jesu wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Tiɗudzirei mufananidzo wamashawi omumunda. Akapindura, akati: unokusha mbeu yakanaka ndiye Mŋanakomana womunhu. Munda inyika; mbeu yakanaka ndiʋo ʋanakomana ʋoʋushe; mashawi ndiʋo ʋanakomana ʋowakaipa. Muʋeŋgi wakakusha ndiye Diaborosi; kuceka ndiko kuguma kwenyika; ʋaceki ndiʋo ʋatumŋa. Ɀino mashawi seɀaanoʋuŋganidzwa acipiswa mumŋoto, ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika. Mŋanakomana womunhu ucatuma ʋatumŋa ʋake, ʋagoʋuŋganidza muʋushe bgake ɀose ɀinogumbusa, naʋanoita ɀisakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. Ipapo ʋakarurama ʋacapenya sezuʋa muʋushe bgaƂaɓa ʋaʋo. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nefuma yakaʋanzwa mumunda, iyo yakawanikwa nomunhu, akaiʋanza ɀe; ɀino nokufara kwake unoenda, akateŋgesa ɀose ɀaanaɀo, akateŋga munda uyo. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe nomuteŋgi unotȿaka maparera akanaka; akati awana parera rimŋe rinomuteŋgo mukuru, akaenda, akandoteŋgesa ɀose ɀaakaŋga anaɀo, akariteŋga iro. Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana ɀe norutaʋa runokandirwa muguŋgwa, runoʋuŋganidza marudzi ose ehoʋe; kana rwazara ʋanorukweʋera pamhenderekedzo, ʋakagara pasi, ʋakaʋuŋganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa ʋanodzirasha. Ndiɀo ɀicaitwa pakuguma kwenyika; ʋatumŋa ʋacaɓuɗa, ʋacaɓuɗisa ʋakaipa pakati paʋakarurama, ʋacaʋakandira muʋira romŋoto; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno. [Jesu akati kwaʋari:] Manzwisisa iɀoɀo ɀose here? Ʋakati kwaari: Hoŋo, [Ishe]. Akati kwaʋari: Naiɀoɀo munyori mumŋe nomumŋe wakadzidziswa ɀoʋushe bgokuɗeŋga, wakafanana nomunhu, mŋene weimba, unoɓuɗisa ɀinhu ɀitȿa neɀekare pafuma yake.
Mateo 13:1-52 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)