Mateo 13:1-3
Mateo 13:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.
Mateo 13:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nezuva iro Jesu akabuda mumba, akandogara pagungwa. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vakaungana kwaari, nokudaro akapinda muigwa, akagaramo vazhinji vose vakamira pamhenderekedzo. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati, “Tarirai, mukushi akabuda kundokusha.
Mateo 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nezuva iroro Jesu akabva mumba muya akandogara pamahombekombe egungwa. Akaunganirwa nechita chikuru chavanhu zvokuti akatozokwira mugwa ogaramo. Gungano rose ndokuti chechetere kumira pamahombekombe. Akavataurira zvinhu zvizhinji nemienzaniso achiti: “Mukushi akaenda kundokusha mbeu.
Mateo 13:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo. Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha.
Mateo 13:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)