Mateo 12:38-40
Mateo 12:38-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.” Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
Mateo 12:38-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vamwe vanyori navaFarisi vakapindura, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo kwamuri.” Akapindura, akati kwavari, “Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chomuporofita Jona. Nokuti Jona sezvaakava mudumbu rehove huru mazuva matatu nousiku utatu, saizvozvo Mwanakomana womunhu achava mumwoyo wenyika mazuva matatu nousiku utatu.
Mateo 12:38-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dzimwe nyanzvi dzomutemo navaFarisei vakati kwaari, “Mudzidzisi tingade kuona chiratidzo chinobva kwamuri.” Asi iye akavapindura achiti, “Chizvarwa chakaipa uye chenzenza chinotsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa kusiya kwaJona sechiratidzo. Sezvakangoita Jona akagara mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu mezihove, ndizvozvowo zvichaita Mwanakomana womunhu, achava pasi penyika siku nesikati kwamazuva matatu.
Mateo 12:38-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋamŋe ʋanyori naʋaFarise ʋakapindura, ʋakati: Mudzidzisi, tinoɗa kuʋona ciratidzo kwamuri. Akapindura, akati kwaʋari: Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo comuprofita Jona. Nokuti Jona seɀaakaʋa muɗumbu rehoʋe huru mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ucaʋa mumŋoyo wenyika mazuʋa matatu noʋusiku bgutatu.
Mateo 12:38-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)