Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:35-36 - Compare All Versions

Mateo 12:35-36 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake. Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 BDSC

Mateo 12:35-36 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka papfuma yake yakanaka; nomunhu akaipa anobudisa zvinhu zvakaipa papfuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri, shoko rimwe nerimwe risina maturo rakarehwa navanhu, vachazvidavirira pamusoro paro nezuva rokutonga.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SNA2002

Mateo 12:35-36 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLBD

Mateo 12:35-36 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀinhu ɀakanaka pafuma yake yakanaka; nomunhu wakaipa unoɓuɗisa ɀinhu ɀakaipa pafuma yake yakaipa. Ndinoti kwamuri: Shoko rimŋe nerimŋe risinamaturo, rakarebga naʋanhu, ʋacaɀiɗaʋirira pamsoro paro nezuʋa rokutoŋga.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SUB1949

Mateo 12:35-36 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Munhu wakanaka anoburitsa zvinhu zvakanaka zvichibva muupfumi hwake hwakanaka. Munhu wakaipa anoburitsawo mudura rake rouipi. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, vanhu vachazvidavirira izwi rimwe nerimwe ravanotaura zvisina mwero

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLB