Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 12:18 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 12:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 BDSC

Mateo 12:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Tarira, muranda wangu wandakasanangura; Mudikanwi wangu, anofarirwa nomweya wangu, Ndichaisa Mweya wangu pamusoro pake, Iye achazivisa vahedheni kutonga.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SNA2002

Mateo 12:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Tarira, muranda waŋgu wandakasanaŋgura; Muɗikanwa waŋgu, unofarirwa nomŋeya waŋgu: Ndicaisa Mŋeya waŋgu pamsoro pake, Iye ucaziʋisa ʋahedeni kutoŋga.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SUB1949

Mateo 12:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLB

Mateo 12:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

“Tarirai muone muranda wangu wandakasarudza, wangu chaiye wapamwoyo wandinofarira. Ndichaisa Mweya wangu paari iye achaparidza kutonga kwakarurama kune vechirudzi.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLBD