Mateo 12:11-12
Mateo 12:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here? Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
Mateo 12:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Ndiani kwamuri angava negwai rimwe, kana rikawira mugomba neSabata, angarega kuribata akaribudisa here? Munhu anopfuura hwai zvikuru sei! Saka zvakatenderwa kuita zvakanaka neSabata.”
Mateo 12:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye akati kwavari, “Ndiani wenyu angati kana ane hwai imwechete ikawira mugomba nezuva reSabata asingaibati achiiburitsa? Ko munhu anokosha zvakadii kupinda hwai? Ipapo zviri pamutemo kuita zvakanaka pamusi weSabata.”
Mateo 12:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaʋari: Ndiani kwamuri uŋgaʋa negwai rimŋe, kana rikawira mugomba nesaɓata, uŋgarega kuriɓata akariɓuɗisa here? Munhu unopfuʋura gwai ɀikuru sei! Saka ɀakatenderwa kuita ɀakanaka nesaɓata.
Mateo 12:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)