Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 12:1 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 12:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 BDSC

Mateo 12:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nenguva iyo Jesu akafamba napakati peminda yezviyo nomusi weSabata; vadzidzi vake vakanga vane nzara, vakapurura hura, vachidya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SNA2002

Mateo 12:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Neŋguʋa iyo Jesu wakafamba napakati peminda yeɀiyo nomusi wesaɓata; ʋadzidzi ʋake ʋakaŋga ʋanenzara, ʋakataŋga kutanha hura, ʋacidya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SUB1949

Mateo 12:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLB

Mateo 12:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Neimwe nguva Jesu aifamba nomuminda yekoroni nomusi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara, vakatanga kupurura hura dzekoroni vachidya.

Pakurirana nevamwe
Mateo 12 SCLBD