Mateo 11:7 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 11:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
Mateo 11:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here?
Mateo 11:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here?
Mateo 11:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?
Mateo 11:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here?