Mateo 11:25 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 11:25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
Mateo 11:25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche.
Mateo 11:25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Neŋguʋa iyo Jesu akapindura, akati: Ndinokutendai, Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀoɀi, mukaɀizarurira ʋacece.
Mateo 11:25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku.
Mateo 11:25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku.