Mateo 11:2-5
Mateo 11:2-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
Mateo 11:2-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri.
Mateo 11:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti, “Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka.
Mateo 11:2-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Johane, ari mutoroŋgo, wakaŋga anzwa maɓasa aKristu, akatuma shoko naʋadzidzi ʋake, aciti kwaari: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamunonzwa neɀamunoʋona; ɀokuti, mapofu anoȿinudzwa, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri.
Mateo 11:2-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)