Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 11:11 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 11:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.

Pakurirana nevamwe
Mateo 11 BDSC

Mateo 11:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari.

Pakurirana nevamwe
Mateo 11 SNA2002

Mateo 11:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakuna‐kumuka mukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga mukuru kwaari.

Pakurirana nevamwe
Mateo 11 SUB1949

Mateo 11:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari.

Pakurirana nevamwe
Mateo 11 SCLB

Mateo 11:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari.

Pakurirana nevamwe
Mateo 11 SCLBD