Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 11:1-15

Mateo 11:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea. Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo. Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.” Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita. Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.” Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora. Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri. Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.” Ava vakati vachienda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, akati, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Ko makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vanopfeka nguo nyoro vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, anopfuura kwazvo muporofita. Nokuti ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kunaJohani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwedenga mukuru kwaari. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, ushe hwedenga hunopambwa, vapambi vanohutora nesimba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kusvikira kuna Johani. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achinzi anouya. Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo. Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti, “Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka. Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.” Nhumwa dziya padzakanga dzavakuenda, Jesu akatanga kutaura kuruzhinji rwavanhu nezvaJohani, achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Ko makaenderei? Kundoona munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Munoziva kuti vanopfeka hanzu dzakapfavirira vari mudzimba dzamadzimambo. Ko zvino makaenderei? Kundoona muporofita here? Ndinokutii, ‘Hongu, uye munhu anotopfuura muporofita.’ Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu; ichafanokugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, kuna vose vakazvarwa navakadzi, hakuna mukuru kupinda Johani Muombeki asi mudiki wokupedzisira muumambo hwedenga mukuru kwaari. Kubvira pamazuva aJohani Muombeki kusvikira iye zvino, umambo hwedenga hwakapinda mukurwiswa uye vanhu vechisimba vari kuhupamba. Nokuti vaporofita vose nomutemo zvakaporofita kudzamara pana Johani. Kana muchida zvenyu kuzvibvuma iye ndiye Eriya uya ainzi achauya. Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Jesu wakati apedza kuraira ʋadzidzi ʋake ʋanegumi naʋaʋiri, akapfuʋura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta aʋo. Ɀino Johane, ari mutoroŋgo, wakaŋga anzwa maɓasa aKristu, akatuma shoko naʋadzidzi ʋake, aciti kwaari: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamunonzwa neɀamunoʋona; ɀokuti, mapofu anoȿinudzwa, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri. Wakaropafadzwa iye usiŋgagumbuswi neni. Aʋa ʋakati ʋacienda, Jesu akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, akati: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here? Ko makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋanopfeka ŋguʋo nyoro ʋari mudzimba dzamadzimambo. Asi makaŋga maɓuɗireiko? Kuzoʋona muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri, unopfuʋura kwaɀo muprofita. Nokuti ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakuna‐kumuka mukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgokuɗeŋga mukuru kwaari. Kubva pamazuʋa aJohane Mubapatidzi kuȿikira ɀino, ʋushe bgokuɗeŋga bgunopambga, ʋapambi ʋanobgutora nesimba. Nokuti ʋaprofita ʋose nomurairo ʋakaprofita kuȿikira kunaJohane. Kana muciɗa kuɀigamucira, ndiye Eria wakaŋga acinzi unoʋuya. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mateo 11

Mateo 11:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)