Mateo 10:7-14
Mateo 10:7-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamunoenda, muparidze muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vaya vana maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pasina muripo, chingopaiwo pasina muripo. Musatakura goridhe, kana sirivha kana ndarira, muzvikwama zvenyu; musatakura hombodo yorwendo kana dzimwe nguo, shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anofanira kurarama nomubayiro webasa rake. “Muguta ripi neripi nomusha upi noupi wamunenge mapinda, tsvakai munhu akakodzera uye mugogara mumba make kusvikira mabvamo. Pamunopinda mumusha, kwazisai vanenge varimo. Kana musha uyu wakakodzera, rugare rwenyu ngaruuye pauri asi kana usina kukodzera, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana ani naani zvake akasakugamuchirai, kana kuteerera mashoko enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mobva pamusha ipapo kana muguta imomo.
Mateo 10:7-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mufambe, muparidze, muchiti, ‘Ushe hwekudenga hwaswedera.’ Poresai vanorwara, mutsai vakafa, natsai vanamaperembudzi, budisai mweya yakaipa. Makangopiwa henyu, chingopai henyu. Musatora ndarama kana sirivha, kana ndarira muzvikwama zvenyu; kana hombodo yorwendo, kana nguo mbiri, kana shangu, kana tsvimbo; nokuti mushandi akafanira kuti apiwe zvokudya zvake. “Muguta kana mumusha mamunopinda, bvunzai kuti ndiani arimo akafanira; mugarepo kusvikira muchibva. “Kana muchipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ngaruuye pamusoro payo, asi kana isina kufanira, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Ani naani asingakugamuchirii, kana kunzwa mashoko enyu, kana muchibva paimba iyo kana paguta iro, muzunze guruva riri patsoka dzenyu.
Mateo 10:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
pamunenge muchifamba muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwavapedyo.’ Rapai vanorwara, mutsai vakafa, murape vana maperembudzi mudzinge mweya yakaipa. Makapiwa pachena, imi ipaiwo pachena. Musatakure mari yendarama kana yesirivha kana yekopa muzvikwama zvenyu, kana tsapo yeparwendo kana hembe mbiri kana shangu kana tsvimbo nokuti mushandi anokodzera kupiwa zvokudya. “Guta riri rose ramunopinda kana musha uri wose wamunopinda bvunzai kuti ndiani anokodzera mauri. Garai naye kusvikira mabvamo. Pamunopinda imomo kwazisai vomumbamo. Kana imba iyoyo ichikodzera, rugare rwenyu ngaruende pairi. Asi kana isingakodzeri, rugare rwenyu ngarudzokere kwamuri. Kana munhu asingadi kukugamuchirai kana kuteerera mazwi enyu, gumai guruva retsoka dzenyu pamunenge mava kubva pamba ipapo kana guta iroro.
Mateo 10:7-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mufambe, muparidze, muciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgasweɗera. Poresai ʋanorwara, mutsai ʋakafa, natsai ʋanamaperembudzi, ɓuɗisai mŋeya yakaipa. Makaŋgopiwa henyu, ciŋgopai henyu. Musatora ndarama kana sirveri, kana ndarira muɀikwama ɀenyu; kana homboɗo yorwendo, kana ŋguʋo mbiri, kana shaŋgu, kana tȿimbo; nokuti muɓati wakafanirwa neɀokudya ɀake. Muguta kana musha pose pamunopinda, bvunzai kuti ndiani uri’mo wakafanira; mugare’po kuȿikira mucibva. Kana mucipinda mumba muikwazise. Kana imba yakafanira, rugare rwenyu ŋgaruʋuye pamsoro payo, asi kana isina‐kufanira, rugare rwenyu ŋgarudzokere kwamuri. Aninani usiŋgakugamuciriyi, kana kunzwa mashoko enyu, kana mucibva paimba iyo kana paguta iro, muzuze guruʋa riri patsoka dzenyu.
Mateo 10:7-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)