Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mateo 10:25 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mateo 10:25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvakakwana kuti mudzidzi ave somudzidzisi wake nomurandawo sashe wake. Zvino kana mukuru weimba akanzi ndiBheerizebhubhi, vachadaro zvikuru sei kune veimba yake!

Pakurirana nevamwe
Mateo 10 BDSC

Mateo 10:25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvakaringanira mudzidzi kuti ave somudzidzisi wake, nomuranda ave sashe wake. Zvavakaidza mwene weimba Bheerizebhuri, vachadaro zvikuru sei veimba yake!

Pakurirana nevamwe
Mateo 10 SNA2002

Mateo 10:25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake!

Pakurirana nevamwe
Mateo 10 SUB1949

Mateo 10:25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake?

Pakurirana nevamwe
Mateo 10 SCLB

Mateo 10:25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvinenge zvatoita zvazvo, kana mudzidzi akava somudzidzisi wake, kana kuti murandawo akaita satenzi wake. Kana vakatumidza saimba kuti Bheerizabhuri ko vanganyomba zvakadii avo vemhuri yake?

Pakurirana nevamwe
Mateo 10 SCLBD