Mateo 10:23 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mateo 10:23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana mukatambudzwa mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Ndinokuudzai chokwadi kuti hamungatizira kumaguta ose omuIsraeri Mwanakomana woMunhu asati adzoka.
Mateo 10:23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana vachikutambudzai muguta rimwe, tizirai kune rimwe; nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hamungapedzi maguta avaIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati asvika.’
Mateo 10:23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika.
Mateo 10:23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya.
Mateo 10:23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kana vakakutambudzai mune rimwe guta, tizirai kune rimwe. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri hamumbopedza kuenda mumaguta ose eIsiraeri, Mwanakomana womunhu asati auya.