Mateo 10:17-22
Mateo 10:17-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Chenjerai kuti vanhu vachakuisai kumatare uye vagokurovai mumasinagoge avo. Nokuda kwangu, vachakuendesai pamberi pavabati namadzishe kuti muve zvapupu zvangu kwavari nokune veDzimwe Ndudzi. Asi kana vakusungai, musafunganya pamusoro pokuti muchataurei kana kuti muchataura sei. Panguva iyoyo muchapiwa zvokutaura, nokuti munenge musiri imi munotaura, asi Mweya waBaba venyu uchataura nomamuri. “Mukoma achaurayisa mununʼuna wake, nababa mwana wavo, vana vachapandukira vabereki vavo uye vachavaurayisa. Vanhu vose vachakuvengai nokuda kwangu, asi uyo achatsungirira kusvikira kumagumo achaponeswa.
Mateo 10:17-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi chenjerai vanhu, nokuti vachakuisai kumatare amakurukota, nokukurovai zvikuru mumasinagoge avo. Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni. Asi kana vachikuisai, musafunganya muchiti, muchataura sei, kana tichataurei, nokuti muchapiwa nenguva iyo zvamunofanira kutaura. “Nokuti hamusimi munotaura, asi Mweya waBaba venyu anotaura mukati menyu. “Mukoma achaisa munun'una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvaurayisa. Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi anotsungirira kusvikira pakuguma, achaponeswa.
Mateo 10:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngwarirai vanhu, nokuti vachakukwirirai matare vachikurovai mumasinagogu avo. Muchakwekweretserwa kuvatongi namadzimambo, pamusana pangu, kuti mupe uchapupu pamberi pavo nokune vechirudzi. Kana vakukwirirai musazvinetse kuti muchataura sei kana kuti muchataurei nokuti zvamuchataura muchazvipiwa panguva iyoyo, nokuti hamusirimi munenge muchitaura asi Mweya waBaba venyu anenge achitaura nemamuri. “Mukoma nomunun'una vachakwirirana kumatare kusvikira pakuuraisana. Babawo vachakwirira mwana wavo. Vana vachamukira vabereki kuti vauraiwe uye muchavengwa navose pamusana pezita rangu asi uyo anotirira kusvika pamugumo achaponeswa.
Mateo 10:17-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi cenjerai ʋanhu, nokuti ʋacakuisai kuʋuŋgano dzamakurukota, nokukuroʋai ɀikuru mumasinagoge aʋo. Mucaiswa ʋo pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, muʋe ɀapupu kwaʋari nokuʋahedeni. Asi kana ʋacikuisai, musafuŋganya muciti mucataura sei, kana inyiko, nokuti mucapiwa neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mŋeya waƂaɓa ʋenyu unotaura mukati menyu. Mukoma ucaisa munuŋuna parufu, naɓaɓa mŋana waʋo; ʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋuraya. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa.
Mateo 10:17-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)