Mateo 1:19-20
Mateo 1:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi nokuda kwokuti Josefa akanga ari munhu akarurama akafunga zvokumuramba chinyararire, asingamunyadzisi pavazhinji. Asi achiri kufunga nezvenyaya iyi, mutumwa waIshe akauya kwaari mukurota akasvikoti, “Josefa, mwana waDhavhidhi, usatya kutora Maria somukadzi wako nokuti pamuviri paava napo akapabata nokuda kwesimba raMweya Mutsvene.
Mateo 1:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Josefa, murume wake, zvaakanga ari munhu akarurama, asingadi kumunyadzisa, akafunga kumuramba chinyararire. Zvino akati acharangarira izvozvo, tarira, mutumwa waIshe akazviratidza kwaari pakurota, akati, “Josefa, mwanakomana waDhavhidhi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti chakaumbwa mukati make ndechaMweya Mutsvene.
Mateo 1:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire. Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene.
Mateo 1:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Josefa, murume wake, ɀaakaŋga ari munhu wakarurama, asiŋgaɗi kumunyadzisa, wakafuŋga kumurega cinyararire. Ɀino wakati acaraŋgarira iɀoɀo, tarira, mutumŋa waShe akaɀiratidza kwaari pakurota, akati: Josefa, mŋanakomana waDavidi, usatya kutora Maria, mukadzi wako; nokuti cakagamucidzwa mukati make ndecoMŋeya Mutȿene.
Mateo 1:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)