Mateo 1:1-3
Mateo 1:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iyi ndiyo nhoroondo yamadzitateguru aJesu Kristu mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahama: Abhurahama aiva baba vaIsaka, Isaka baba vaJakobho, Jakobho baba vaJudha namadzikoma ake, navanunʼuna vake, Judha baba vaPerezi naZera, mai vavo vaiva Tamari, Perezi baba vaHezironi, Hezironi baba vaRamu
Mateo 1:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazita amadzitateguru aJesu Kristu, mwanakomana waDhavhidhi, mwanakomana waAbhurahamu: Abhurahamu akabereka Isaka; Isaka akabereka Jakobho; Jakobho akabereka Judha navanun'una vake; Judha akabereka Faresi naZara nomukadzi wake Tamari; Faresi akabereka Esiromi; Esiromi akabereka Arami
Mateo 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake. Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu
Mateo 1:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazita amadziteteguru aJesu Kristu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waAbrahama: Abrahama wakaɓereka Isaka; Isaka akaɓereka Jakobo; Jakobo akaɓereka Juda naʋanuŋuna ʋake; Juda akaɓereka Faresi naZara kumukadzi wake Tamari; Faresi akaɓereka Esromi; Esromi akaɓereka Arami
Mateo 1:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)