Maraki 4:4-6
Maraki 4:4-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Rangarirai murayiro womuranda wangu Mozisi, mitemo nemirayiro yandakamupa paHorebhi kuti ipiwe vaIsraeri vose. “Tarirai, ndichakutumirai muprofita Eria, zuva iro guru raJehovha, uye rinotyisa risati rasvika. Iye achadzosera mwoyo yamadzibaba kuvana vavo, nemwoyo yavana kumadzibaba avo; kana kuti ndichauya ndigorova nyika nechituko.”
Maraki 4:4-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Rangarirai murayiro waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi, wavaIsiraeri, vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira. “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika. Iye achadzorera mwoyo yamadzibaba kuvana, nemwoyo yavana kuna madzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.”
Maraki 4:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Rangarirai mutemo womuranda wangu Mosesi murao uya nezvirevo zvandakamutemera kuHorebhu zvinosunga Isiraeri yose zvirevo nemirawo. “Chinzwai, ndichakutumirai muporofita Eriya, zuva guru raTenzi rinotyisa iroro risati rasvika. Iye achapindutsa mwoyo yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti vanzwanane namadzibaba avo; nokuti ndingadaro ndikauya ndikapinza nyika murushambwa.”
Maraki 4:4-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Raŋgarirai murairo waMosesi muranda waŋgu, wandakamuraira paHorebi, waʋaIsraeri ʋose, iɀo ɀandakatema neɀandakaraira. Tarirai, ndicakutumirai muprofita Eria, zuʋa iro guru raJehova, rinotyisa, risati raȿika. Iye ucadzorera mŋoyo yamadziɓaɓa kuʋana, nemŋoyo yaʋana kunamadziɓaɓa aʋo, kuti ndirege kuʋuya ndiroʋe nyika nokutuka.
Maraki 4:4-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)