Maraki 3:9-10 - Compare All Versions
Maraki 3:9-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makatukwa, rudzi rwenyu rwose, nokuti muri kundibira. Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, “muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.
Maraki 3:9-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makatukwa nokutuka; nokuti munondibira, urwo rudzi urwu rwose. Uyai nezvegumi zvose muimba yokuvigira, kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muone kana ndisingakuzaruriyi mawindo okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.
Maraki 3:9-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Makatukwa nokutuka; nokuti munondiɓira, irwo rudzi urwu rwose. Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.
Maraki 3:9-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makapinda jambwa nokuti muri kundibira, iyemi rudzi rwenyu rwose zvarwo. Uyai nezvegumi zvakakwana mumba mokuchengetera zvinhu kuitira kuti mumba mangu muve nechokudya nezvo mundiedze henyu ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo muone kuti ini ndinorega here kukuzarurirai mahwindho okudenga ndichikuwodzvorerai mafashafasha emakomborero.
Maraki 3:9-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)