Maraki 3:11-12
Maraki 3:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Maraki 3:11-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichadzivisa udyi pakuparadza zvirimwa zvenyu, uye mizambiringa yeminda yenyu haingadonhedzi zvibereko zvayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Ipapo ndudzi dzose dzichati makaropafadzwa, nokuti nyika yenyu ichava inofadza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Maraki 3:11-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichatukawo udyi nokuda kwenyu, arege kuparadza zvibereko zveminda yenyu; nemizambiringa yenyu haingazuki zvibereko zvayo mumunda, nguva isati yasvika ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndudzi dzose dzichati muri vanhu vakafara; nokuti muchava nyika inofadza ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.
Maraki 3:11-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichakumisirai mharadzi kuti irege kuparadza michero yevhu renyu uyewo mugirepisi wenyu, muminda hauzotadza kubereka. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. Ipapo marudzi ose avanhu achakutii muri vanhu vakakomborerwa nokuti muchange muri munyika yorufaro. Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
Maraki 3:11-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.