Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 3:1 - Compare All Versions

Maraki 3:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Tarirai, ndichatuma nhume yangu, uyo achagadzira nzira pamberi pangu. Ipapo Ishe wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake; mutumwa wesungano, wamunoshuva, achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

Pakurirana nevamwe
Maraki 3 BDSC

Maraki 3:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye achandigadzirira nzira yangu pamberi pangu; ipapo Ishe, wamunotsvaka, achasvika pakarepo patemberi yake, iye Mutumwa wesungano, wamunoshuva, tarirai, anouya ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 3 SNA2002

Maraki 3:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 3 SCLBD

Maraki 3:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 3 SUB1949

Maraki 3:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Chinzwai, “Ndichatuma nhumwa yangu kuzofanondigadzirira nzira, Tenzi wamunodai kutsvaka achayerekana auya kuTemberi yake, nhumwa iyoyo yechitenderano yamunofarira iri kuuya,” ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 3 SCLB