Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maraki 2:11 - Compare All Versions

Maraki 2:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Judha aputsa chitenderano. Chinhu chinonyangadza chaitwa muIsraeri nomuJerusarema: Judha asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha, nokuwana mwanasikana wamwari wavatorwa.

Pakurirana nevamwe
Maraki 2 BDSC

Maraki 2:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Judha vakanyengera, chinhu chinonyangadza chaitwa pakati paIsiraeri napaJerusaremu; nokuti Judha vakamhura nzvimbo tsvene yaJehovha, inodikanwa naye, vakawana mukunda wamwari wavatorwa.

Pakurirana nevamwe
Maraki 2 SNA2002

Maraki 2:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 2 SCLBD

Maraki 2:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Juda ʋakanyeŋgera, cinhu cinonyaŋgadza cakaitwa pakati paIsraeri napaJerusarema; nokuti Juda ʋakamhura nɀimbo tȿene yaJehova, inoɗikanwa naye, ʋakawana mukunda wamŋari waʋatorwa.

Pakurirana nevamwe
Maraki 2 SUB1949

Maraki 2:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

VokwaJudha havana kutendeka, muIsiraeri nomuJerusaremu makaitwa zvinhu zvisingadiwi naMwari. Chikonzero ndechokuti vokwaJudha vakan'oresa Nzvimbo Inoera yaTenzi yapamwoyo, vachitoroora zvavo vanasikana vokuvamwari vasiri ivo.

Pakurirana nevamwe
Maraki 2 SCLB