Ruka 8:38-39
Ruka 8:38-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Murume akanga abuda madhimoni maari akamukumbirisa kuti aende naye, asi Jesu akamuendesa achiti, “Dzokera kumba kwako undotaura kuti Mwari akuitira zvinhu zvakaita sei.” Saka murume uyu akaenda akandotaura muguta rose zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu.
Ruka 8:38-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi munhu uyo, makanga mabuda mweya yakaipa maari, akakumbira kwaari kuti agare naye. Asi akamudzosa, achiti, “Dzokera kumba kwako, undotaura zvinhu zvikuru zvawaitirwa naMwari.” Akaenda, akandoparidza muguta rose zvinhu zvikuru zvaakaitirwa naJesu.
Ruka 8:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murume uya akabviswa mweya yakaipa akakumbira kuti arambe ainaye, asi Jesu akamuti aende zvake achiti, “Dzokera kumusha kwako undorondedzera kuti Mwari akakuitira zvakadii.” Nokudaro akaenda achiparidza nomuguta rose kuti Jesu akanga amuitira zvakadii.
Ruka 8:38-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi munhu uyo, makaŋga maɓuɗa mŋeya yakaipa maari, wakakumbira kwaari kuti agare naye. Asi wakamudzosa, aciti: Dzokera kumba kwako, undotaura ɀinhu ɀikuru ɀawaitirwa naMŋari. Akaenda, akandoparidza muguta rose ɀinhu ɀikuru ɀaakaitirwa naJesu.
Ruka 8:38-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)