Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 8:16-21 - Compare All Versions

Ruka 8:16-21 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Hakuna munhu anotungidza mwenje obva auvanza pasi pedengu kana kuuisa pasi pomubhedha. Asi, anouisa pamusoro pechigadziko, kuitira kuti vose vanopinda vavhenekerwe. Nokuti hakuna chakavanzika chisingazobudiswi pachena, uye hakuna chakavigwa chisingazozivikanwi kana kuiswa pachena. Naizvozvo nyatsofungisisai kuti munonzwa sei. Ani naani anazvo achapiwa zvakawanda, ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanofunga kuti anazvo.” Zvino mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya kuzomuona, asi vakanga vasingagoni kuswedera pedyo naye nokuda kwavanhu vazhinji. Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.” Akapindura akati, “Mai vangu navanunʼuna vangu ndivo avo vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 8 BDSC

Ruka 8:16-21 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Hakuna munhu, anoti kana atungidza mwenje, anozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubhedha; asi anouisa pachigadziko, kuti vanopinda vaone chiedza. “Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazooneswi, hakuna chakavigwa, chisingazozikanwi, nokubuda pachena. “Naizvozvo, chenjerai mutoo wamunonzwa nawo; nokuti anazvo, achapiwa; asina, achatorerwa naichochowo chaanoti ndinacho. “Zvino mai vake navakoma navanun'una vake vakauya kwaari, vakasagona kusvika kwaari nemhaka yavanhu vazhinji. “Akaudzwa, zvichinzi, ‘Mai venyu navakoma navanun'una venyu vamire kunze, vanoda kukuonai.’ ” Akapindura, akati kwavari, “Mai vangu navakoma navanun'una vangu ndivo vaya vanonzwa shoko raMwari vachiriita.”

Pakurirana nevamwe
Ruka 8 SNA2002

Ruka 8:16-21 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hakuna munhu anoti kana atungidza mwenje anoukwidibira nomudziyo kana kuisa pasi pomubhedha asi anotouisa pachidzimikiro chomwenje kuti vanopinda vaone chiedza. Hapana chakavigwa chisingazoburitswa pachena kana chii zvacho chakavanzika chisingazozivikanwa chichiiswa pachena. Naizvozvo chenjererai manzwiro amunoita nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe uye asina achatorerwa kunyange chaanofunga kuti anacho. Kwakazouya amai vake navakoma navanun'una vake asi havana kukwanisa kusvika paari pamusana pechita chavanhu. Akataurirwa kuti amai venyu navakoma navanun'una naye vamire panze. Vanoda kukuonai. Asi iye akati kwavari amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavavo vanonzwa shoko raMwari vachiita zvarinoreva.

Pakurirana nevamwe
Ruka 8 SCLBD

Ruka 8:16-21 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Hakunomunhu, unoti kana atuŋgidza mŋenje, unozoufukidzira nomudziyo, kana kuuisa pasi pomubeda; asi unouisa pacigadziko, kuti ʋanopinda ʋaʋone ciedza. Nokuti hakuna‐cakaʋanzika, cisiŋgazoʋoneswi, hakuna‐cakaʋigwa, cisiŋgazozikanwi, nokuɓuɗa pacena. Naiɀoɀo, cenjerai mutoʋo wamunonzwa nawo; nokuti unaɀo, ucapiwa; usina, ucatorerwa naiceco ʋo caanoti ndinaco. Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakasagona kuȿika kwaari nemhaka yaʋanhu ʋazhinji. Akaʋudzwa, ɀicinzi: Mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu ʋamire kunze, ʋanoɗa kukuʋonai. Akapindura, akati kwaʋari: Mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋo ʋanonzwa shoko raMŋari ʋaciriita.

Pakurirana nevamwe
Ruka 8 SUB1949

Ruka 8:16-21 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ruka 8 SCLB