Ruka 6:48 - Compare All Versions
Ruka 6:48 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.
Ruka 6:48 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo.
Ruka 6:48 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa.
Ruka 6:48 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakafanana nomunhu wakaʋaka imba, akacera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikaʋuya, mvura ikaroʋa imba iyo, ikasagona kuizunuŋgusa, nokuti yakaŋga yakaʋakwa kwaɀo.
Ruka 6:48 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)