Ruka 6:46-48
Ruka 6:46-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva? Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka.
Ruka 6:46-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Munondiedzireiko, ‘Ishe! Ishe!’ Musingaiti zvandinoreva? Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye. Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo.
Ruka 6:46-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva? Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani. Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa.
Ruka 6:46-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munondiidzireiko Ishe! Ishe! musiŋgaiti ɀandinoreʋa? Mumŋe nomumŋe unoʋuya kwandiri, akanzwa mashoko aŋgu, akaaita, ndicakuratidzai waakafanana naye. Wakafanana nomunhu wakaʋaka imba, akacera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikaʋuya, mvura ikaroʋa imba iyo, ikasagona kuizunuŋgusa, nokuti yakaŋga yakaʋakwa kwaɀo.
Ruka 6:46-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)