Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 6:29-30 - Compare All Versions

Ruka 6:29-30 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

Pakurirana nevamwe
Ruka 6 BDSC

Ruka 6:29-30 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Anokurova padama, umurinzire rimwewo; anokutorera nguo yokunze, usaramba nenguo yomukatiwo. Mumwe nomumwe anokumbira kwauri, umupe; noanokutorera zvako, usazvikumbirazve kwaari.

Pakurirana nevamwe
Ruka 6 SNA2002

Ruka 6:29-30 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Unokuroʋa paɗama, umurinzire rimŋe ʋo; unokutorera ŋguʋo yokunze, usamuramba neŋguʋo yomukati ʋo. Mumŋe nomumŋe unokumbira kwauri, umupe; nounokutorera ɀako, usaɀikumbira ɀe kwaari.

Pakurirana nevamwe
Ruka 6 SUB1949

Ruka 6:29-30 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako. Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete.

Pakurirana nevamwe
Ruka 6 SCLB

Ruka 6:29-30 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Kune anenge akurova padama mutendeudzirezve rimwe; munhu anokutorera bhachi rako usamurambire kana hembe yako. Ani naani anokukumbira chinhu mupe; uye anokutorera zvinhu zvako rega kunozvireva kwete.

Pakurirana nevamwe
Ruka 6 SCLBD