Ruka 6:1-11
Ruka 6:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya zvaingobvumirwa kudyiwa navaprista chete. Uye akapawo chimwe kushamwari dzake.” Ipapo akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.” Rimwezve Sabata akapinda musinagoge uye aidzidzisa, zvino pakanga pano murume akanga ano ruoko rwake rworudyi rwakanga rwakakokonyara. VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizoporesa nomusi weSabata. Asi Jesu aiziva zvavaifunga uye akati kumurume akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Saka iye akasimuka akamira ipapo. Ipapo Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzaiwo kuti chiiko chinobvumirwa kuitwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu kana kuhuparadza?” Akatarisa kwavari vose, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, uye ruoko rwake rukatwasanuka. Asi ivo vakatsamwa kwazvo vakatanga kutaurirana zvavangaita kuna Jesu.

Ruka 6:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nomusi weSabata akafamba napakati peminda yezviyo; vadzidzi vake vakatanha hura, vakadya, vachidzipukuta namaoko. Zvino vamwe vavaFarisi vakati kwavari, “Munoitireiko zvisina kutenderwa kuitwa nomusi weSabata?” Jesu akavapindura, akati, “Ko hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi, musi waakanga aziya, iye navakanga vanaye; kuti akapinda mumba maMwari, akatora zvingwa zvokuratidza, akazvidya, akapawo vakanga vanaye, izvo zvakanga zvisina kutenderwa kudyiwa, asi navapristi voga?” Akati kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe weSabata.” Zvino neimwe Sabata akapinda musinagoge, akadzidzisa; zvino kwakanga kune munhu ipapo akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Vanyori navaFarisi vakamutarisisa, kuona kana angamuporesa nomusi weSabata, kuti vawane pavangamupomera mhosva napo. Asi iye akaziva mifungo yavo, akati kumunhu akanga anoruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire pakati pavanhu.” Akasimuka, akamira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinokubvunzai shoko iri, zvakatenderwa here kuita zvakanaka kana zvakaipa neSabata, kuponesa munhu, kana kumuuraya?” Ipapo akaringa-ringa achivatarira vose, akati kwaari, “Tambanudza ruoko rwako.” Akadaro, ruoko rwake rukavandudzwa. Zvino vakatsamwa kwazvo, vakarangana vose kuti Jesu vangamuitei.
Ruka 6:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvakazoitika kuti nomumwe musi weSabata Jesu aifamba napakati peminda yekoroni, vadzidzi vake vaipurura hura dzekoroni vachidzipukutira mumaoko vachidya. Vamwe vavaFarisei vakati, “Munoitirei zvisingabvumirwi nomusi weSabata?” Jesu akavapindura akati, “Hamuna kurava here zvakaitwa naDhavhidhi musi uya waakanga oziya iye navanhu vaaiva navo, kuti akapinda mumba yaMwari akatora zvingwa zvakasumwa kuna Mwari akazvidya akapawo vaaiva navo kunyange zvisingabvumirwi kudyiwa naani zvake kusiya vapristi voga?” Ndokuti kwavari, “Mwanakomana womunhu ndiMambo weSabata.” Zvakaitikazve kuti nerimwe Sabata Jesu akapinda musinagogu akadzidzisa, imomo maiva nomunhu akanga anoruoko rworudyi rwakakokonyara. Nyanzvi dzoMutemo navaFarisei vakanyatsomutarisisa vachida kuona kuti angaporese here nezuva reSabata, kuti vawane mhosva yokumubata nayo. Asi iye akaziva zvavaifunga ndokuti kumunhu uya akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire apa.” Munhu uya ndiye kwanyanu, omira. Zvino Jesu akati kwavari, “Ndinoda kumbokubvunzai, zvinobvumirwa here, pamusi weSabata, kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa upenyu hwomunhu kana kuti kuhuparadza?” Akaringa–ringa achitarisa vose ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akabva aita saizvozvo; ruoko rwake rukabva rwatasamuka. Asi ivo vakashatirwa zvikuru chaizvo vakarangana kuti vangaitei naJesu.
Ruka 6:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nomusi wesaɓata wakafamba napakati peminda yeɀiyo; ʋadzidzi ʋake ʋakatanha hura, ʋakadya, ʋacidzipukuta namaʋoko. Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati kwaʋari: Munoitireiko ɀisina‐kutenderwa kuitwa nomusi wesaɓata? Jesu akaʋapindura, akati: Ko hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye; kuti wakapinda mumba maMŋari, akatora ɀiŋgwa ɀokuratidza, akaɀidya, akapa ʋo ʋakaŋga ʋanaye, iɀo ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga? Akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo. Ɀino neimŋe saɓata wakapinda musinagoge, akadzidzisa; ɀino kwakaŋga kunomunhu ipapo wakaŋga anoruʋoko rworudyi rwakawonyana. Ʋanyori naʋaFarise ʋakamutarisisa, kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata, kuti ʋawane paʋaŋgamupomera mhoȿa napo. Asi iye wakaziʋa mifuŋgo yaʋo, akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka, umire pakati paʋanhu. Akasimuka, akamira. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ndinokubvunzai shoko iri: Ɀakatenderwa here kuita ɀakanaka kana ɀakaipa nesaɓata, kuponesa munhu, kana kuʋuraya? Ipapo akariŋga‐riŋga aciʋatarira ʋose, akati kwaari: Tambanudza ruʋoko rwako. Akaɗaro, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. Ɀino ʋakatsamŋa kwaɀo, ʋakaraŋgana ʋose kuti Jesu ʋaŋgamuitei.
Ruka 6:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)