Ruka 4:9-12
Ruka 4:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Satani akamutungamirira kuJerusarema akamuita kuti amire pachiruvi chetemberi. Akati kwaari, “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako kuti vakuchengete kwazvo; vachakusimudza mumaoko avo, kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.’ ” Jesu akati, “Zvinonzi, ‘Usaedza Ishe Mwari wako.’ ”
Ruka 4:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaenda naye Jerusaremu, akamuisa pachiruvi chetemberi, akati kwaari, “Kana uri Mwanakomana waMwari, uzviwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, ‘Acharayira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;’ ‘Pamaoko avo vachakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabwe.’ ” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanzi, ‘Usaedza Ishe, Mwari wako.’ ”
Ruka 4:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akamutungamidzazve oenda naye Jerusaremu akandomumisa pachisuvi cheTemberi ndokumuti, “Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano, nokuti zvakanyorwa zvichinzi; ‘Mwari achaudza vatumwa vake kuti vakuchengete vachikudzivirira,’ uyezve ‘Vachakugama namaoko avo kuti urege kugumburwa tsoka yako nebwe.’ ” Jesu akamupindura achiti, zvakanzi, “Usaedze Tenzi Mwari wako.”
Ruka 4:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaenda naye Jerusarema, akamuisa paciruʋu cetembere, akati kwaari: Kana uri Mŋanakomana waMŋari, uɀiwisire pasi pano; Nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ucaraira ʋatumŋa ʋake pamsoro pako, kuti ʋakuceŋgete; Pamaʋoko aʋo ʋacakusimudza, Kuti urege kugumbusa rutsoka rwako pabge. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe, Mŋari wako.
Ruka 4:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)