Ruka 4:5-8
Ruka 4:5-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Satani akamutungamirira kunzvimbo yakakwirira uye akamuratidza munguva diki diki umambo hwose hwenyika. Akati kwaari, “Ndichakupa simba rahwo rose nokubwinya kwahwo, nokuti ndakahupiwa, uye ini ndinogona kuhupa kuna ani zvake wandinoda. Saka kana ukandinamata, huchava hwako hwose.” Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ ”
Ruka 4:5-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akamutungamirira kugomo refurefu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nenguva duku-duku. Dhiabhori akati kwaari, “Ndichakupa simba iri rose nokubwinya kwazvo, nokuti ndakahupiwa ini, kuti ndihupe wandinoda. Zvino, iwe, kana ukandinamata, zvose zvichava zvako.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Namata Ishe, Mwari wako, umushumire iye oga.’ ”
Ruka 4:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Satani akamutungamidza oenda naye pakakwirira akamuratidza umambo noumambo hwapasi pose nakanguva kadukuduku, akachimuti; “Ndichakupa umambo hwose uhwu nomukurumbira wahwo nokuti zvakaturirwa kwandiri, uyezve ndinozvipa kune wandinenge ndichida. Naizvozvo, iwe ukandipfugamira zvose zvichava zvako.” Jesu akamupindura achiti, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Unofanira kugwadamira uchinamata Tenzi Mwari wako, umushandire iye oga.’ ”
Ruka 4:5-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino akamutuŋgamirira kumsoro, akamuratidza ʋushe bgose bgenyika neŋguʋa ɗuku‐ɗuku. Diaborosi akati kwaari: Ndicakupa simba iri rose nokubginya kwaɀo, nokuti ndakabgupiwa ini, kuti ndibgupe wandinoɗa. Ɀino, iwe, kana ukandinamata, ɀose ɀicaʋa ɀako. Jesu akapindura, akati kwaari: Kwakanyorwa kucinzi: Namata Ishe, Mŋari wako, umushumire iye oga.
Ruka 4:5-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)