Ruka 4:18-20
Ruka 4:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.” Ipapo akapeta rugwaro, akarudzosera kumubati akagara pasi. Meso avanhu vose vakanga vari musinagoge akanga akati nde-e kwaari
Ruka 4:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.” Akapeta bhuku, akaridzosera kumutariri, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamutarisisa.
Ruka 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.” Akazarira bhuku riya ndokuridzorera kumutariri, ogara pasi. Maziso avose avanhu vakanga vari musinagogu akaramba akamutarisa.
Ruka 4:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka. Akapeta buku, akaidzosera kumutariri, akagara pasi; meso aʋose ʋaiʋa musinagoge akamutarisisa.
Ruka 4:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)