Ruka 4:16-19 - Compare All Versions
Ruka 4:16-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaenda kuNazareta, kwaakanga arerwa, uye nomusi weSabata akapinda musinagoge, setsika yake. Akasimuka kuti averenge. Rugwaro rwakapetwa rwaIsaya rwakapiwa kwaari. Pakurubhedhenura, akawana pakanga pakanyorwa kuti: “Mweya waShe uri pamusoro pangu, nokuti akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndiparidze rusununguko kuna vakasungwa uye kuti vasingaoni vaone, kuti ndisunungure vakamanikidzwa, kuti ndiparidze gore rakanaka raShe.”
Ruka 4:16-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akasvika kuNazareta, kwaakanga arerwa, akapinda musinagoge nomusi weSabata sezvaaisiita, akasimuka kuti arave. Akapiwa bhuku yomuporofita Isaya; zvino akati aripetenura, akawana pakanyorwa panoti, “Mweya waIshe uri pamusoro pangu, Nokuti akandizodza, kuti ndiparidzire varombo Vhangeri; Akandituma kuti ndizivise vakatapwa kusunungurwa kwavo; Namapofu kuti vaonezve; Ndiregedze vakatsikirirwa; Nokuzivisa gore raIshe rakanaka.”
Ruka 4:16-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Akaȿika paNazareta, paakaŋga arerwa, akapinda musinagoge nomusi wesaɓata seɀaaisiita, akasimuka kuti araʋe. Akapiwa buku yomuprofita Isaya; ɀino wakati aipetenura, akawana pakanyorwa panoti: Mŋeya waShe uri pamsoro paŋgu, Nokuti wakandizodza, kuti ndiparidzire ʋarombo Evaŋgeri; Wakandituma kuti ndiziʋise ʋakatapxa kusunuŋgurwa kwaʋo; Namapofu kuti ʋaʋone ɀe; Ndiregedze ʋakatsikirirwa; Nokuziʋisa gore raShe rakanaka.
Ruka 4:16-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino Jesu akauya kuNazareti kwaakanga arerwa. Akapinda musinagogu nomusi weSabata, samaitiro ake. Akasimuka kuti averenge ndokupiwa bhuku romuporofita Isaya. Akati aripetenura akawana pakanyorwa kunzi, “Mweya waTenzi uri pandiri nokuti akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuti ndizivise nhapwa zverusununguko rwadzo namapofu zvekusvinudzwa kwawo, nokupa rusununguko kuna vakadzvinyirirwa, uyezve kuparidza gore renyasha dzaTenzi.”
Ruka 4:16-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)