Ruka 3:19-20
Ruka 3:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Johani akati atsiura Herodhi mutongi nokuda kwaHerodhiasi, mukadzi womununʼuna wake, uye nezvimwe zvinhu zvose zvakaipa zvaakanga aita, Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.
Ruka 3:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi ishe Herodhi, akati arairwa naye pamusoro paHerodhiasi, mukadzi womunun'una wake, nezvakaipa zvose zvaakanga aita iye Herodhi, akawedzera pamusoro pezvose chinhu ichi, kuti akapfigira Johani mutorongo.
Ruka 3:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Herodhi, mumwe wavatongi vana, zvaakatsiudzwa naJohani pamusana paHerodhiasi mukadzi womunun'una wake uye napamusana pezvakaipa zvose zvaakanga aita, akatowedzera zvakare pamusoro paizvozvi zvose nokuisa kwaakaita Johani mujeri.
Ruka 3:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi Herode muɓati, wakati arairwa naye pamsoro paHerodiasi, mukadzi womunuŋuna wake, neɀakaipa ɀose ɀaakaŋga aita iye Herode, wakawedzera pamsoro peɀose cinhu ici, kuti wakapfigira Johane mutoroŋgo.
Ruka 3:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)