Ruka 24:44-53
Ruka 24:44-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.” Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.” Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru. Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.
Ruka 24:44-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.” Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.” Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBhetania, ndokutambanudza maoko ake, akavaropafadza. Akati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusaremu vanomufaro mukuru. Vakarambira mutemberi, vachirumbidza Mwari.
Ruka 24:44-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ” Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu. Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi. Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ” Akavatungamirira kusvika kuBhetania. Akasimudza maoko ake akavakomborera. Paakanga achivakomborera akabva pavari akakwidzwa kudenga. Vakadzokera kuJerusaremu norufaro rukuru; vairamba vari muTemberi vachirumbidza Mwari.
Ruka 24:44-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika. Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema. Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi. Tarirai, ndinotuma pamsoro penyu cipikirwa caƂaɓa ʋaŋgu; asi imi garai muguta, kuȿikira mafukidzwa nesimba rinobva kumsoro. Ɀino akaʋatuŋgamirira kunze kweguta kuȿikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza maʋoko ake, akaʋaropafadza. Wakati acaʋaropafadza, akaparadzana naʋo, akakwidzwa kuɗeŋga. Ipapo ʋakamunamata, ʋakadzokera Jerusarema ʋanomufaro mukuru. Ʋakarambira mutembere, ʋacirumbidza Mŋari.
Ruka 24:44-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)