Ruka 24:36-40
Ruka 24:36-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.” Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.” Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
Ruka 24:36-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi!” Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vaona mweya. Akati kwavari, “Munotambudzika neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu? Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.” Akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake.
Ruka 24:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.” Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake.
Ruka 24:36-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋacataura iɀoɀo, akamira pakati paʋo amene, akati kwaʋari: Rugare ŋgaruʋe nemi! Asi ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo, ʋakati ɀimŋe ʋaʋona mŋeya. Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu? Tarirai ɀanza ɀaŋgu netsoka dzaŋgu, kuti ndini ndimene. Ndiɓatei, muʋone, nokuti mŋeya haunenyama namafupa, seɀamunondiʋona ndinaɀo ini. Wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake netsoka dzake.
Ruka 24:36-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)