Ruka 24:18-27
Ruka 24:18-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?” Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa; asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika. Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu. Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.” Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.
Ruka 24:18-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?” Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose; uye kuti vapristi vakuru navashandi vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa. Takanga tichiti ndiye aizodzikinura vaIsiraeri; uye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo. “Uyezve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa; nokuti vakati vachishayiwa chitunha chake, vakauya vachiti, vaona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu. “Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuona.” Zvino iye akati kwavari, “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita! “Kristu akanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose.
Ruka 24:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?” Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa. Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika. Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu. Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.” Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake.
Ruka 24:18-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe waʋo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usiŋgaziʋi ɀakaitwa’mo mazuʋa ano here? Akati kwaʋari: Ɀinyiko? Ʋakati kwaari: ⱿaJesu weNazareta, waiʋa muprofita unesimba paɓasa napashoko pamberi paMŋari napaʋanhu ʋose; ʋuye kuti ʋaprista ʋakuru naʋaɓati ʋeɗu ʋakamuisa kuʋatoŋgi kuti atoŋgerwe rufu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa. Takaŋga ticiti ndiye waizodzikinura ʋaIsraeri; ʋuye pamsoro paiɀoɀo ɀose, nhasi raʋa zuʋa retatu kubva pakuitwa kwaɀo. Ʋuye ɀe, ʋamŋe ʋakadzi ʋokweɗu, ʋakaŋga ʋafumira kubgiro, ʋakatishamisa; nokuti ʋakati ʋacishaiwa muʋiri wake, ʋakaʋuya ʋaciti, ʋaʋona ciratidzo caʋatumŋa ʋaiti mupenyu. Ɀino ʋamŋe ʋaiʋa nesu, ʋakaenda kubgiro, ʋakandoɀiwana seɀaʋakareʋa ʋakadzi; asi iye haʋana‐kumuʋona. Ɀino iye akati kwaʋari: Imi ʋokusafuŋga, munemŋoyo inononoka kutenda ɀose ɀakarebga naʋaprofita! Ko Kristu wakaŋga asiŋgafaniri kutambudzika saiɀoɀo, agopinda pakubginya kwake here? Ipapo akataŋga kunaMosesi naʋaprofita ʋose, akaʋaɗudzira ɀakanyorwa pamsoro pake muMagwaro ose.
Ruka 24:18-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)