Ruka 24:1-53
Ruka 24:1-53 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuhwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva. Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva, asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu. Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo. Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotamisa pasi zviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa? Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti: ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake. Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose. VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo. Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika. Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo; asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?” Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?” Jesu akati, “Zveiko?” Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa; asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika. Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu. Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.” Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita! Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro. Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?” Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane Gumi noMumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.” Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa. Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.” Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.” Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa chimedu chehove yakagochwa, uye akachitora akachidya pamberi pavo. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.” Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kubva kuvakafa pazuva rechitatu, uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.” Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru. Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.
Ruka 24:1-53 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kubwiro, vakabata zvinonhuwira, zvavakanga vagadzira. Vakawana ibwe rakunguruswa, rabviswa pabwiro, vakapinda, vakashayiwa chitunha chashe Jesu. Zvino vakati vachakanganiswa nazvo, tarira, varume vaviri vakamira navo vane nguo dzinopenya; zvino nokutya kwavo vakakotamira pasi nezviso zvavo, ivo vakati kwavari, “Munotsvakireiko mupenyu pakati pavakafa? “Haapo pano, amuka. Fungai zvaakakuudzai achiri Gariria, kuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avanhu vakaipa aroverwe pamuchinjikwa, agomuka nezuva retatu.’ ” Ipapo vakarangarira mashoko ake, vakadzoka vachibva kubwiro, vakaudza vane gumi nomumwe navamwe vose zvinhu izvozvo zvose. Vaiva Maria Magadharina naJohana naMaria, mai vaJakobho, navamwe vakadzi vaiva navo, vakandoudza vapostori izvozvo. Mashoko awa akaita soupenzi kwavari; vakasaatenda. Zvino Petirosi akasimuka, akamhanyira kubwiro; akakotama, akaona micheka iri yoga; ndokudzoka kumba, ashamiswa nezvakanga zvaitwa. Pazuva iroro vamwe vaviri vavo vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, wakanga uri kure neJerusaremu masitadhi ana makumi matanhatu; vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika. Zvino vakati vachataurirana nokubvunzana, Jesu amene akaswedera, akafamba navo. Asi meso avo akanga abatwa, vakasamuziva. Akati kwavari, “Mashoko amunotaurirana pamusoro pawo muchifamba, ndeeiko?” Vakamira vane shungu pamwoyo. Mumwe wavo, wainzi Kiropasi, akapindura, akati kwaari, “Ko ndiwe woga ugere muJerusaremu somutorwa, asingazivi zvakaitwamo mazuva ano here?” Akati kwavari, “Zvinyiko?” Vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareta, aiva muporofita ane simba pabasa napashoko pamberi paMwari napavanhu vose; uye kuti vapristi vakuru navashandi vedu vakamuisa kuvatongi kuti atongerwe rufu, vakamurovera pamuchinjikwa. Takanga tichiti ndiye aizodzikinura vaIsiraeri; uye pamusoro paizvozvo zvose, nhasi rava zuva retatu kubva pakuitwa kwazvo. “Uyezve, vamwe vakadzi vokwedu, vakanga vafumira kubwiro, vakatishamisa; nokuti vakati vachishayiwa chitunha chake, vakauya vachiti, vaona chiratidzo chavatumwa vaiti mupenyu. “Zvino vamwe vaiva nesu, vakaenda kubwiro, vakandozviwana sezvavakareva vakadzi; asi iye havana kumuona.” Zvino iye akati kwavari, “Imi vokusafunga, mune mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaporofita! “Kristu akanga asingafaniri kutambudzika saizvozvo, agopinda mukubwinya kwake here?” Ipapo akatanga kuna Mosesi navaporofita vose, akavadudzira zvakanyorwa pamusoro pake muMagwaro ose. Zvino vakaswedera kumusha kwavakanga vachienda; iye akaita sooda kupfuura. Vakamugombedzera, vachiti, “Garai nesu, nokuti ava madekwana, zuva ravira.” Ipapo akapinda kundogara navo. Zvino akati agara navo pakudya, akatora chingwa, akachiropafadza, akachimedura, ndokuvapa. Ipapo meso avo akasvinudzwa, vakamuziva; akanyangarika kwavari. Vakataurirana, vachiti, “Ko mwoyo yedu yakanga isingapisi mukati medu, achitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here?” Vakasimuka nenguva iyo, vakadzokera Jerusaremu, vakawana vane gumi nomumwe navaiva navo vakaungana. Ivo vakati, “Ishe amuka zvirokwazvo; aonekwa naSimoni.” Vakarondedzera zvakaitika munzira, uye kuti akazikanwa navo sei pakumedura chingwa. Vakati vachataura izvozvo, akamira pakati pavo amene, akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi!” Asi vakavhunduka, vakatya kwazvo, vakati zvimwe vaona mweya. Akati kwavari, “Munotambudzika neiko? Mifungo inomukireiko mumwoyo yenyu? Tarirai zvanza zvangu netsoka dzangu, kuti ndini ndimene. Ndibatei, muone, nokuti mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunondiona ndinazvo ini.” Akati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake netsoka dzake. Zvino vakati vachigere kutenda nokufara kwavo, vachashamiswa, akati kwavari, “Mune zvokudya pano here?” Vakamupa nhindi yehove yakagochwa. Akatora, akadya vachizviona. Akati kwavari, “Ndiwo mashoko angu, andakakuudzai ndichiri nemi, kuti zvose zvakanyorwa pamusoro pangu pamurayiro waMosesi, napavaporofita, napaMapisarema, zvinofanira kuitika.” Ipapo akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro. Akati kwavari, “Ndizvo zvakanyorwa, kuti Kristu achatambudzika, agomuka kuvakafa nezuva retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeuka nokukanganwirwa zvivi, vachitanga muJerusaremu. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi. Tarirai, ndinotuma pamusoro penyu chipikirwa chaBaba vangu; asi imi garai muguta, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.” Zvino akavatungamirira kunze kweguta kusvikira pakatarisana neBhetania, ndokutambanudza maoko ake, akavaropafadza. Akati achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga. Ipapo vakamunamata, vakadzokera Jerusaremu vanomufaro mukuru. Vakarambira mutemberi, vachirumbidza Mwari.
Ruka 24:1-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva rokutanga revhiki, mambakwedza chaiwo, vakaenda kuguva vakatakura tunonhuwirira twuya twavakanga vagadzirira. Vakawana dombo riya rakungurutswa kubva paguva. Asi pavakapinda havana kuwana chitunha. Vachiri mukukangaidzwa naizvozvi, havo varume vaviri vakaerekana vamira pavaiva vaine hanzu dzaipenya zvikuru. Zvavakanga vavakutya zvikuru vakamira vakatsikitsira uso pasi. Varume vaya vakati kwavari, “Munotsvakireiko vapenyu mukati mavakafa. Yeukai zvaakakuudzai achiri kuGarirea zvokuti, ‘Mwanakomana womunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi agorovererwa pamuchinjikwa asi agozomuka nezuva retatu.’ ” Vakayeuka mazwi ake. Pavakadzoka kumakuva vakataurira zvose izvi kuna vane gumi nomumwe nokuna vamwe vose. Vakataurira vapositori zvose izvi, ndiMaria Magadharena naJoana naMaria amai vaJemusi navamwe vadzimai vavaiva navo. Mashoko aya, kwavari, akaita sezvinhu zvisina maturo saka havana kuatenda. [ Asi Pita akasimuka akamhanyira kuguva. Akakotama akadongorera mukati. Akaona machira erineni ari pawo oga. Akaenda kumba achishama nezvakanga zvaitika.] Zuva rakarero vamwe vavo vaviri vaienda kunomumwe musha wainzi Emausi waiva makiromita gumi nerimwechete kubva kuJerusaremu, vachitaurirana nezvezvinhu izvi zvose zvakanga zvaitika. Pavakanga vachitaura vachikurukurirana Jesu pachake akaenda pedyo akafamba navo. Asi vakaita chidzimira vakatadza kumuziva. Jesu akati kwavari, “Ko chii chamuri kutaurirana muchifamba kudai?” Vakamira kuti mbikiti vakati surududu. Mumwe wavo ainzi Kiropasi akamupindura achiti, “Ndiwe woga here muenzi wemuJerusaremu, asingazivi zvinhu izvi zvakaitikamo mazuva ano aya?” Iye akati kwavari, “Zvinhuiko izvozvo.” Ivo vakati kwaari, “ZvaJesu weNazareti, aiva muporofita, ane simba guru muzviito nomushoko pamberi paMwari napamberi pavanhu vose uye kuti vapristi vakuru navatongi vakamukwirira dare kuti atongerwe rufu vakamuroverera pamuchinjikwa. Asi taivimba kuti ndiye aizonunura Isiraeri. Chimwewo ndechokuti zvino atova mazuva matatu zvaitika. Chimwezve ndechokuti mamwe madzimai echikwata chedu vatikangaidza. Vaenda kuguva mangwananingwanani vakashaya chitunha chake. Vadzoka vavakuti vaona chiratidzo chavatumwa vari kuti mupenyu. Vamwe vedu vatangatinavo vaendawo kuguva, vakaona zvinhu zvakaita sokutaura kwanga kwaitwa namadzimai, asi iye havana kumuona.” Jesu ndokuti kwavari, “Oo, inga muri mazirema chaiwo avanhu! Munechinono chaicho kutenda zvose zvakataurwa navaporofita. Zvakanga zvisingafaniri here kuti iye Kristu atambudzike saizvozvi achizopinda mumbiri yake?” Ndipo paakatangisa nokuna Mosesi navaporofita vose achivatsananungurira muMagwaro Matsvene ose zvinhu zvakanangana naiye pachake. Pavakanga vava kuda kusvika pamusha wavaienda, akaita seavakupfuurira. Asi vakamugombedzera vachiti, “Garai nesu nokuti kwava kuda kuvira zuva rapera.” Saka akapinda kundogara navo. Paakanga ari pakudya navo, akatora chingwa akachikomborera ndokuchimedura akachipa kwavari. Maziso avo akabva azaruka vakabva vamuziva, asi iye akabva anyangarika kwavari. Vakataurirana vachiti, “Mwoyo yedu haina kunge yava kutopisirira here mukati medu paanga achitaura kwatiri munzira; paya paanga achitizarurira Magwaro Matsvene?” Vakabva vasimuka nguva yakareyo vakadzokera kuJerusaremu. Vakasvikowana vane gumi nomumwechete vaya vakaungana navamwe vavaiva navo, vakati, “Tenzi wamuka zvechokwadi uye azviratidza kuna Simioni.” Ivowo vakavataurira zvakanga zvaitika panzira uye kuti vakamuziva sei pakumedura chingwa. Pavakanga vachiri kutaura izvi. Iye Jesu pachake akamira pakati pavo (akati kwavari, “Rugare ngaruve nemi”). Vakavhunduka vakatya vachifunga kuti vari kuona dzangaradzimu. Iye akati kwavari, “Ko muri kunetseka mumwoyo menyu neiko? Ko mibvunzo iri kumukireiko mumusoro menyu? Tarisai maoko angu netsoka dzangu muone kuti ndini chaiye. Ndibatei muone nokuti dzimudzangara harina nyama namapfupa sezvamuri kuona ndiinazvo.” Ataura izvi akavaratidza maoko ake netsoka dzake. Vachiri kupokana kudaro pamusana pokufara uye vachikatyamadzwa akati kwavari, “Mune chokudya here pano?” Vakamupa hove yakagochwa akaitora akaidya pamberi pavo. Akazovataurira achiti, “Aya ndiwo mazwi angu andakakutaurirai ndichinemi ndichiti, ‘Zvose zvakanyorwa nezvangu mumutemo waMosesi nomuvaporofita nomunziyo zvaifanira kuzadzikiswa.’ ” Akavazarura pfungwa kuti vanzwisise Magwaro Matsvene. Akati kwavari, “Zvakanyorwa zvichinzi, ‘Kristu aifanira kutambudzika uye kuti amuke kuvafi nezuva retatu uyewo kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvitadzo kuparidzwe muzita rake kumarudzi ose, zvichitangira kuJerusaremu. Imi ndimi zvapupu zvezvinhu izvi. Chinzwai, ndichatumira pamuri chipikirwa chababa vangu. Asi imi garai muguta rino, kusvikira mapiwa simba rinobva kumusoro.’ ” Akavatungamirira kusvika kuBhetania. Akasimudza maoko ake akavakomborera. Paakanga achivakomborera akabva pavari akakwidzwa kudenga. Vakadzokera kuJerusaremu norufaro rukuru; vairamba vari muTemberi vachirumbidza Mwari.
Ruka 24:1-53 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nomusi wokutaŋga weviki, mambakwedza, ʋakaʋuya kubgiro, ʋakaɓata ɀinonhuwira, ɀaʋakaŋga ʋagadzira. Ʋakawana ibge rakuŋguruswa, rabʋiswa pabgiro, ʋakapinda, ʋakashaiwa mutumbu waShe Jesu. Ɀino ʋakati ʋacakaŋganiswa naɀo, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋakamira naʋo ʋaneŋguʋo dzinopenya; ɀino nokutya kwaʋo ʋakakotamira pasi neɀiso ɀaʋo, iʋo ʋakati kwaʋari: Munotȿakireiko mupenyu pakati paʋakafa? Haa’po pano, wamuka. Fuŋgai ɀaakakuʋudzai aciri Garirea, kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kuiswa mumaʋoko aʋanhu ʋakaipa, aroʋerwe pamucinjikwa, agomuka nezuʋa retatu. Ipapo ʋakaraŋgarira mashoko ake, ʋakadzoka ʋacibva kubgiro, ʋakaʋudza ʋanegumi nomumŋe naʋamŋe ʋose ɀinhu iɀoɀo ɀose. Ʋaiʋa Maria Magdarene naJohana naMaria, mai ʋaJakobo, naʋamŋe ʋakadzi ʋaiʋa naʋo, ʋakandoʋudza ʋaapostora iɀoɀo. Mashoko awa akaita sooʋupenzi kwaʋari; ʋakasaatenda. Ɀino Petro akasimuka, akamhanyira kubgiro; akakotama, akaʋona miceka iri yoga; ndokudzoka kumba kwake, ashamiswa neɀakaŋga ɀaitwa. Pazuʋa irero ʋamŋe ʋaʋiri ʋaʋo ʋakaŋga ʋacienda kumusha wainzi Emausi, wakaŋga uri kure neJerusarema mastadia anamakumi matanhatu; ʋakaŋga ʋacitaurirana pamsoro peɀinhu ɀose ɀakaŋga ɀaitika. Ɀino ʋakati ʋacataurirana nokubvunzana, Jesu amene akasweɗera, akafamba naʋo. Asi meso aʋo akaŋga aɓatwa, ʋakasamuziʋa. Akati kwaʋari: Mashoko amunotaurirana pamsoro pawo mucifamba, ndeeiko? Ʋakamira ʋaneshuŋgu pamŋoyo. Mumŋe waʋo, wainzi Kreopasi, akapindura, akati kwaari: Ko ndiwe woga ugere muJerusarema somutorwa, usiŋgaziʋi ɀakaitwa’mo mazuʋa ano here? Akati kwaʋari: Ɀinyiko? Ʋakati kwaari: ⱿaJesu weNazareta, waiʋa muprofita unesimba paɓasa napashoko pamberi paMŋari napaʋanhu ʋose; ʋuye kuti ʋaprista ʋakuru naʋaɓati ʋeɗu ʋakamuisa kuʋatoŋgi kuti atoŋgerwe rufu, ʋakamuroʋera pamucinjikwa. Takaŋga ticiti ndiye waizodzikinura ʋaIsraeri; ʋuye pamsoro paiɀoɀo ɀose, nhasi raʋa zuʋa retatu kubva pakuitwa kwaɀo. Ʋuye ɀe, ʋamŋe ʋakadzi ʋokweɗu, ʋakaŋga ʋafumira kubgiro, ʋakatishamisa; nokuti ʋakati ʋacishaiwa muʋiri wake, ʋakaʋuya ʋaciti, ʋaʋona ciratidzo caʋatumŋa ʋaiti mupenyu. Ɀino ʋamŋe ʋaiʋa nesu, ʋakaenda kubgiro, ʋakandoɀiwana seɀaʋakareʋa ʋakadzi; asi iye haʋana‐kumuʋona. Ɀino iye akati kwaʋari: Imi ʋokusafuŋga, munemŋoyo inononoka kutenda ɀose ɀakarebga naʋaprofita! Ko Kristu wakaŋga asiŋgafaniri kutambudzika saiɀoɀo, agopinda pakubginya kwake here? Ipapo akataŋga kunaMosesi naʋaprofita ʋose, akaʋaɗudzira ɀakanyorwa pamsoro pake muMagwaro ose. Ɀino ʋakasweɗera kumusha kwaʋakaŋga ʋacienda; iye akaita sowoɗa kupfuʋura. Ʋakamugombedzera, ʋaciti: Garai nesu, nokuti aʋa maɗekwana, zuʋa raʋira. Ipapo akapinda kundogara naʋo. Ɀino wakati agara naʋo pakudya, akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokuʋapa. Ipapo meso aʋo akaȿinudzwa, ʋakamuziʋa; akanyaŋgarika kwaʋari. Ʋakataurirana, ʋaciti: Ko mŋoyo yeɗu yakaŋga isiŋgapisi mukati meɗu, acitaura nesu munzira, nokutizarurira Magwaro here? Ʋakasimuka neŋguʋa iyo, ʋakadzokera Jerusarema, ʋakawana ʋanegumi nomumŋe naʋaiʋa naʋo ʋakaʋuŋgana. Iʋo ʋakati: Ishe wamuka ɀirokwaɀo; waʋonekwa naSimoni. Ʋakarondedzera ɀakaitika munzira, ʋuye kuti wakazikanwa naʋo sei pakumeɗura ciŋgwa. Ʋakati ʋacataura iɀoɀo, akamira pakati paʋo amene, akati kwaʋari: Rugare ŋgaruʋe nemi! Asi ʋakavunduka, ʋakatya kwaɀo, ʋakati ɀimŋe ʋaʋona mŋeya. Akati kwaʋari: Munomanikidzwa neiko? Mifuŋgo inomukireiko mumŋoyo yenyu? Tarirai ɀanza ɀaŋgu netsoka dzaŋgu, kuti ndini ndimene. Ndiɓatei, muʋone, nokuti mŋeya haunenyama namafupa, seɀamunondiʋona ndinaɀo ini. Wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake netsoka dzake. Ɀino ʋakati ʋacigere kutenda nokufara kwaʋo, ʋacashamiswa, akati kwaʋari: Muneɀokudya pano here? Ʋakamupa nhindi yehoʋe yakagocwa. Akatora, akadya ʋaciɀiʋona. Akati kwaʋari: Ndiwo mashoko aŋgu, andakakuʋudzai ndiciri nemi, kuti ɀose ɀakanyorwa pamsoro paŋgu pamurairo waMosesi, napaʋaprofita, napaMapisarema, ɀinofanira kuitika. Ipapo akadziʋura kuziʋa kwaʋo, kuti ʋanzwisise Magwaro. Akati kwaʋari: Ndiɀo ɀakanyorwa, kuti Kristu ucatambudzika, agomuka kuʋakafa nezuʋa retatu; kuti marudzi ose aparidzirwe nezita rake kutendeʋuka nokukaŋganwirwa ɀiʋi, ʋacitaŋga paJerusarema. Imi muri ɀapupu ɀeɀinhu iɀi. Tarirai, ndinotuma pamsoro penyu cipikirwa caƂaɓa ʋaŋgu; asi imi garai muguta, kuȿikira mafukidzwa nesimba rinobva kumsoro. Ɀino akaʋatuŋgamirira kunze kweguta kuȿikira pakatarisana neBetania, ndokutambanudza maʋoko ake, akaʋaropafadza. Wakati acaʋaropafadza, akaparadzana naʋo, akakwidzwa kuɗeŋga. Ipapo ʋakamunamata, ʋakadzokera Jerusarema ʋanomufaro mukuru. Ʋakarambira mutembere, ʋacirumbidza Mŋari.
Ruka 24:1-53 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)