Ruka 23:50-56
Ruka 23:50-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama, uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari. Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu. Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu. Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga. Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri. Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuhwira namafuta anonhuhwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.
Ruka 23:50-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama, iye akanga asina kutenderana navo pakurangana, nokuita kwavo, aiva weArimatia, guta ravaJudha, akanga achimirira ushe hwaMwari; iye akaenda kuna Pirato, akandokumbira chitunha chaJesu, akachiburusa, akachiputira nomucheka, akachiuisa mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu. Waiva musi woKugadzirira, Sabata roda kutanga. Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gariria, vakavatevera, vakaona bwiro, nomuisirwo womutumbi wake. Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta. Vakazorora nomusi weSabata vachiterera murayiro.
Ruka 23:50-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwaiva nomumwe murume ainzi Josefi aibva kuguta ravaJudha reArimatia aiva nhengo yedare guru uye ari munhu akanaka akarurama. Iye haana kunge awirirana navamwe pazvinangwa zvavo napane zvavakaita. Iye aitsvaga umambo hwaMwari. Murume uyu akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Akachidzikisa akachiputira mufuko rejira rerineni. Akamuradzika muguva rakanga raitwa zvokuchezerwa mudombo makanga musati mamboradzikwa munhu. Zvaraiva zuva rokugadzirira Pasika uye Sabata rakanga ravakutanga vakadzi vakanga vauya naye vachibva kuGarirea vakatevera vakaona guva racho uye kuti chitunha chakanga charadzikwa sei. Vakadzokera vakandogadzirira tunonhuwirira namafuta. Pazuva reSabata vakazorora sezvaidiwa nomutemo.
Ruka 23:50-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kwakaŋga kunomumŋe, wainzi Josefa, mumŋe wamakurukota, murume wakanaka wakarurama, (iye wakaŋga asina‐kutenderana naʋo pakuraŋgana nokuita kwaʋo), waiʋa weArimatia, guta raʋaJuda, wakaŋga acimirira ʋushe bgaMŋari; iye akaenda kunaPirato, akandokumbira mutumbu waJesu, akauɓurusa, akauputira nomuceka, akauisa mubgiro bgakaŋga bgakacerwa pabge, makaŋga musina‐kumboʋigwa munhu. Waiʋa musi woKugadzirira, saɓata roɗokutaŋga. Naʋakadzi ʋakaŋga ʋaʋuya naye, ʋacibva Garirea, ʋakaʋateʋera, ʋakaʋona bgiro, nomuisirwe womutumbu wake. Ʋakadzoka, ʋakagadzira ɀinonhuwira namafuta. Ʋakazorora nomusi wesaɓata ʋaciterera murairo.
Ruka 23:50-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)