Ruka 23:40-43
Ruka 23:40-43 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko? Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.” Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.” Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”
Ruka 23:40-43 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”
Ruka 23:40-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye. Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.” Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.” Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.”
Ruka 23:40-43 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mumŋe akapindura, akamuraira, aciti: Hautyi kunyaŋge naMŋari kanhi, ɀauri pakutoŋgwa kumŋe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa ɀakafanira maɓasa eɗu; asi uyu haana‐kuita cinhu cisakafanira. Ipapo akati: Jesu mundiraŋgarire, kana moȿika muʋushe bgenyu! Iye akati kwaari: Ɀirokwaɀo, nhasi ucaʋa neni muParadiso.
Ruka 23:40-43 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)