Ruka 23:32-34
Ruka 23:32-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa. Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.
Ruka 23:32-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kwakanga kuna vamwe vatadzi vaviri, vavakaenda navo pamwechete naye kundourawa. Zvino vakati vasvika panzvimbo inonzi, “Dehenya,” vakamuroverapo navatadzi, mumwe kurudyi mumwe kuruboshwe. Ipapo Jesu akati, “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.” Vakagovana nguo dzake, vachikanda mijenya pamusoro padzo.
Ruka 23:32-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vamwewo vaviri vaiva vapari vedzimhosva vakaendwawo navo kundouraiwa pamwechete naye. Pavakasvika panzvimbo inonzi yeDehenya ipapo ndipo pavakamuroverera pamuchinjikwa navapari vedzimhosva vaya vaviri mumwe ari kurudyi mumwe ari kuruboshwe. Jesu akati, “Baba varegererei nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakakanda mijenya kuti vagovane hanzu dzake.
Ruka 23:32-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kwakaŋga kunaʋamŋe ʋatadzi ʋaʋiri ʋo, ʋaʋakaenda naʋo pamŋe cete naye kundoʋurawa. Ɀino ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Ƌehenya, ʋakamuroʋera’po naʋatadzi, mumŋe kurudyi mumŋe kuruɓoshwe. Ipapo Jesu akati: Ƃaɓa, muʋakaŋganwire, nokuti haʋaziʋi caʋanoita. Ʋakagoʋana ŋguʋo dzake, ʋacikanda mijenya pamsoro padzo.
Ruka 23:32-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)